1. Rungwanani rwakanaka!Zuva rakacheka nyika.Shiri nenyuchi dzichiimba,Maungira achinzwika,Apo mumumvuri wesangoJosefa ankatsvaka Mwari,Apo mumumvuri wesangoJosefa akatsvaka Mwari.
2. Akapfugama achikumbira —Mumunamato wekutanga—Masimba echivi orwisaAkamuodza mwoyo;Asi akaramba achivimbaMuna Baba veKudenga,Asi akaramba achi vimbaMuna Baba veKudenga.
3. Akabva aona chiedza,Chai penya kupinda zuva,Kukaita mbiru yaipenya,Ikamutenderedza,Vaviri vedenga vakauya,Mwari neMwanakomana,Vaviri vedenga vakauya,Mwari neMwanakomana.
4. “Josefa, uyu ndewangu;Munzwe!” Shoko rakanaka!Josefa akapindurwa,Iye akaterera She.Rufaro rwakazadza mwoyo,Akaona Mwari mupenyu;Rufaro rwakazadza mwoyo,Akaona Mwari mupenyu.