Book cover

Munamato Wekutanga waJosefa Smith

Nziyo nedzeVana Vadiki, 26


1. Rungwanani rwakanaka! Zuva rakacheka nyika. Shiri nenyuchi dzichiimba, Maungira achinzwika, Apo mumumvuri wesango Josefa ankatsvaka Mwari, Apo mumumvuri wesango Josefa akatsvaka Mwari.

2. Akapfugama achikumbira — Mumunamato wekutanga— Masimba echivi orwisa Akamuodza mwoyo; Asi akaramba achivimba Muna Baba veKudenga, Asi akaramba achi vimba Muna Baba veKudenga.

3. Akabva aona chiedza, Chai penya kupinda zuva, Kukaita mbiru yaipenya, Ikamutenderedza, Vaviri vedenga vakauya, Mwari neMwanakomana, Vaviri vedenga vakauya, Mwari neMwanakomana.

4. “Josefa, uyu ndewangu; Munzwe!” Shoko rakanaka! Josefa akapindurwa, Iye akaterera She. Rufaro rwakazadza mwoyo, Akaona Mwari mupenyu; Rufaro rwakazadza mwoyo, Akaona Mwari mupenyu.