Book cover

Onai Mununuri Afa

Nziyo nedzeVana Vadiki, 30


1. Onaimununuri afa, Kuzadzisa murau wakatyorwa. Anofa kuripira zvivi, Anofa kuripira zvivi, Kuti tiwane kubwinya kokusingaperi.

2. Vachiseka marwadzo ake, Vanomubaya nezvipikiri; Vachimutuka nekumushora, Vachimutuka nekumushora, Vano mupfekedza korona yeminzwa.

3. Nyangwe akarwadziwa zvikuru, Haana kumbonyunyuta. Basa rake akazadzikisa, Basa rake akazadzikisa, Akakudza kuda kwaBaba vake.

4. “Baba, bvisai mukombe kwandiri. Asi, kuda kwe nyu ngakuitwe. Ndaita basa ramakandipa, Ndaita basa ramakandipa, Chigamuchirai Mweya wangu kwamuri.”

5. Akafa, pakuona izvi Zuva rakadzima nenyadzi! Nyika yakadengenyeka, Nyika yakadengenyeka Mukudaira, “Mwari Afa!”

6. Mupenyu—mupenyu. Todaro Pachirairo totsikitsira, Totsvaka, seVatendi nhasi, Totsvaka, seVatendi nhasi, Kumuteerera nekumurumbidza.