1. Tichaimba kukudza zita raJesu, Tichirirumbidza kwazvo Kwaari akarovererwa pachikomo cheKarivhari Akafa kutiponisa.
2. Akakunda rufu akamuka muguva; Chinangwa chiri ruponeso; Akadana mweya wakasungwa neChivi kuti pinda denga.
3. Akatora kiyi dzerufu negehena Akapwanya nyoka musoro; Akaita kuti matirongo azaruke, Vaka fa vakamu ka.
4. Chingwa nemvura pachirairo zvoreva kuripira kwake zvivi; Imi vatendi Idyayi mugopupura Munomurangarira.