1. Takazvirereka, Muponesi, Tipei mweya wenyu pano, Pakuropafadza chingwa nemvura Muzita renyu nhasi. Ndigosakanganwa, Ishe wedu, kuti makandifira ini Pakamiswa nokutyorwa mwoyo wenyu Pamuchinjikwa Karivari.
2. Tizadzei nokuregerera; Tidzidzisei kudanana. Bvumirai minamato isvike Mumatenga enyu matsvene. Zvino, kana tave takodzera Kuzvipira kwenyu kutsvene. Ishe, itai tive pamugere; Kupenya kwenyu kutiputire.