Book cover

Nditaurire, Chokwadi Chiyi?

Nziyo nedzeVana Vadiki, 60


1. Chokwadi chiyi? Dombo rinokosha Pahupfumi hwese hwepanyika, Kukosha kwechokwadi kopfuura mutengo Panguva ndaza yamambo Inokoshesesa Yoverengwa setsvina nehundi.

2. Chokwadi chiyi? Chinangwa chikuru Vavariro yavanhu kana vaMwari. Chitsvage pasi penyika pochopenya chiri, kana kukwira uchichitsvaka kumatenga; Chinangwa chakarurama kwazvo.

3. Tsvimbo yamambo Inogona kutsvedza Kana osangana nemutongo. Asi tsigiro yechokwadi haigume, Dziviriro yayo yakasimba Inokunda Vavariro yemuparadzi.