Book cover

Ndichaenda Kwamunoda Kuti Ndiende

Nziyo nedzeVana Vadiki, 90


1. Pangasave pamusoro pegomo Kana mudutu regungwa, Pangasave mberi muhondo Ishe wangu acha ndida. Asi nekanzwi akadaidza, Kunzira dzandisingazive, Ndodaira, She, noruoko mamuri: Ndichaenda kwamunoda.

Ndichaenda kwamunoda, Ishe, Mhiri kwegomo gungwa nerenje; Ndichataura zvamu noda, Ishe, Ndichave sezvamunoda.

2. Zvimwe nhasi kune mazwi erudo Jesu aanoda nditaure; Pamwe zvino munzira dzezvivi Munde mutadzi wokutsvaga. Muponesi, nditungamirei, Kunyange nzira yakaipa, Inzwi rangu richaungira shoko: Ndichataura zvamunoda.

Ndichaenda kwamunoda, Ishe, Mhiri kwegomo gungwa nerenje; Ndichataura zvamu noda, Ishe, Ndichave sezvamunoda.

3. Kune nzvimbo yakapfava kumwe Kune minda yakakura Mandingashandire iyezvino Jesu Akarovererwa. Ndopa hupenyu hwangu kwamuri, Nokuziva munondida, Ndoita kuda kwenyu nemwoyo wose: Ndichava sezvamunoda.

Ndichaenda kwamunoda, Ishe, Mhiri kwegomo gungwa nerenje; Ndichataura zvamu noda, Ishe, Ndichave sezvamunoda.