Book cover

Ndichaenda Kwamunoda Kuti Ndiende

Nziyo nedzeVana Vadiki, 90

0:00 0:00
Introduction
All Verses

1. Pangasave pamusoro pegomo Kana mudutu regungwa, Pangasave mberi muhondo Ishe wangu acha ndida. Asi nekanzwi akadaidza, Kunzira dzandisingazive, Ndodaira, She, noruoko mamuri: Ndichaenda kwamunoda.

Ndichaenda kwamunoda, Ishe, Mhiri kwegomo gungwa nerenje; Ndichataura zvamu noda, Ishe, Ndichave sezvamunoda.

2. Zvimwe nhasi kune mazwi erudo Jesu aanoda nditaure; Pamwe zvino munzira dzezvivi Munde mutadzi wokutsvaga. Muponesi, nditungamirei, Kunyange nzira yakaipa, Inzwi rangu richaungira shoko: Ndichataura zvamunoda.

Ndichaenda kwamunoda, Ishe, Mhiri kwegomo gungwa nerenje; Ndichataura zvamu noda, Ishe, Ndichave sezvamunoda.

3. Kune nzvimbo yakapfava kumwe Kune minda yakakura Mandingashandire iyezvino Jesu Akarovererwa. Ndopa hupenyu hwangu kwamuri, Nokuziva munondida, Ndoita kuda kwenyu nemwoyo wose: Ndichava sezvamunoda.

Ndichaenda kwamunoda, Ishe, Mhiri kwegomo gungwa nerenje; Ndichataura zvamu noda, Ishe, Ndichave sezvamunoda.