1. Huusiku Houtsvene! Svose zvakadzikama, Pamhandara neMwana wayo. Mwana mutsvene akapfava, Rara murunyararo; Rara murunyararo.
2. Huusiku Uoutsvene! Vafudzi vovhunduka! Kubwinya kunobva kudenga; Ngirozi dzoimba Hareruya! Kristu, Ishe, azvarwa, Kristu, Ishe, azvarwa.
3. Huusiku Houtsvene! Mwana waMwari rudo runopenya pachiso chenyu, Nekuuya kwerudzikinuro, Jesu, She, pakuzvarwa, Jesu, She, pakuzvarwa.