1. Kristu Ishe amuka nhasi, Hareruya! Vanhu nengirozi voti, Hareruya! Chifarai makunda, Hareruya! Imbai denga nyika ipindure, Hareruya!
2. Basa roruponiso raitwa, Hareruya! Hondo yarwiwa, yakundwa, Hareruya! Marwadzo aJesu apera, Hareruya! Hakusisina rima munyika, Hareruya!
3. Mupenyu zve Ishe wedu, Hareruya! Rufu, marwadzo aripi? Hareruya! Akafa kutiponesa, Hareruya! Guva, kukunda kwako kuripi? Hareruya!