Book cover

Amuka!

Nziyo nedzeVana Vadiki, 108


0:00 0:00
Introduction
All Verses

1. Kristu Amuka! Amuka!Zviparidze nemufaro.Amuka akunda rufu;Nyika yose yofara.Vanhu vasununguka.Kristu akunda rufu.

2. Huyayi nenziyo tsvene;Imbai kukunda kwaIshe.Hapana gore rodzimaMuranzi unobwinya,Kubva kumabvazuva,Chiratidzo cheEsita.

3. Kristu Amuka! Amuka!Azarura suwo redenga.Tasuningurwa pazvivi,Taiswa panzvimbo tsvene.Muranzi weEsitaWopenya mumeso edu.