Book cover

Huyayi, Huyayi Vatendi

Nziyo nedzeVana Vadiki, 2

Huyai vatendi, Huyai musambotya; endai nerufaro. Zvowomasei parwendo irworwu, Yamuro muchapiwa. Zvakanaka sei kushingirira Kubvisa twunotinetsa; Itai izvi, muchafara— Zvose zvakanaka!

1. Tinochemei tichiti taomerwa? Handizvo; zvose zvakanaka. Tofungirei kuwana mubairo Kana tichitya hondo? Sungai dzisimbe; musambotya. Mwari havambotisiya; Tozotaura mazwi aya— Zvose zvakanaka!

Huyai vatendi, Huyai musambotya; endai nerufaro. Zvowomasei parwendo irworwu, Yamuro muchapiwa. Zvakanaka sei kushingirira Kubvisa twunotinetsa; Itai izvi, muchafara— Zvose zvakanaka!

2. Tichawana patakagadzirirwa, Kure kumadokero, Kusingasvikwe nemhandu dzedu; Koropafadzwa Vatendi. Mumhepomuungire nemumhanzi, Pakurumbidza MwarinaShe; Todaidzira mazwi aya— Zvose zvakanaka!

Huyai vatendi, Huyai musambotya; endai nerufaro. Zvowomasei parwendo irworwu, Yamuro muchapiwa. Zvakanaka sei kushingirira Kubvisa twunotinetsa; Itai izvi, muchafara— Zvose zvakanaka!

3. Kana tikafa tisati tasvika, Farai! Zvose zvakanaka! Tasununguka kubva munhamo; Nevatsvene togara! Asi kana tikaramiswa Kuwona zororo reVatendi, kuimba kwatingaite— Zvose zvakanaka!