Huyai vatendi, Huyai musambotya;
endai nerufaro.
Zvowomasei parwendo irworwu,
Yamuro muchapiwa.
Zvakanaka sei kushingirira
Kubvisa twunotinetsa;
Itai izvi, muchafara—
Zvose zvakanaka!
1. Tinochemei tichiti taomerwa?
Handizvo; zvose zvakanaka.
Tofungirei kuwana mubairo
Kana tichitya hondo?
Sungai dzisimbe; musambotya.
Mwari havambotisiya;
Tozotaura mazwi aya—
Zvose zvakanaka!
Huyai vatendi, Huyai musambotya;
endai nerufaro.
Zvowomasei parwendo irworwu,
Yamuro muchapiwa.
Zvakanaka sei kushingirira
Kubvisa twunotinetsa;
Itai izvi, muchafara—
Zvose zvakanaka!
2. Tichawana patakagadzirirwa,
Kure kumadokero,
Kusingasvikwe nemhandu dzedu;
Koropafadzwa Vatendi.
Mumhepomuungire nemumhanzi,
Pakurumbidza MwarinaShe;
Todaidzira mazwi aya—
Zvose zvakanaka!
Huyai vatendi, Huyai musambotya;
endai nerufaro.
Zvowomasei parwendo irworwu,
Yamuro muchapiwa.
Zvakanaka sei kushingirira
Kubvisa twunotinetsa;
Itai izvi, muchafara—
Zvose zvakanaka!
3. Kana tikafa tisati tasvika,
Farai! Zvose zvakanaka!
Tasununguka kubva munhamo;
Nevatsvene togara!
Asi kana tikaramiswa
Kuwona zororo reVatendi,
kuimba kwatingaite—
Zvose zvakanaka!
Huyai vatendi, Huyai musambotya;
endai nerufaro.
Zvowomasei parwendo irworwu,
Yamuro muchapiwa.
Zvakanaka sei kushingirira
Kubvisa twunotinetsa;
Itai izvi, muchafara—
Zvose zvakanaka!
Manzwi: William Clayton, 1814–1879
Mumhanzi: Rumbo rwevanhu vechilngirishi