Book cover

Ngatishingei

Nziyo nedzeVana Vadiki, 18

1. Ngatishingei tiri mubasa raIshe, Kuti kana tafa tiwane mubairo; Mukurwira kururama ngatishandei; Munondo wakasimba wechokwadi.

Musatye, nyange muchishorwa; Simbai, nokuti Ishe anesu. Hatizoteerera zvavakaipa, Toterera kuna She.

2. Hatizodududza, nyange tiri vashoma Kana toenzaniswa nevavengi vedu; Asi tichayamurwa nesimba guru Mubasa rakanaka rechokwadi.

Musatye, nyange muchishorwa; Simbai, nokuti Ishe anesu. Hatizoteerera zvavakaipa, Toterera kuna She.

3. Kana takarurama Hatityi chinhu, Nokuti She mubatsiri anogara pedyo; Mukuedzwa anokurudzira Vatendi, Kufambisa basa rechokwadi.

Musatye, nyange muchishorwa; Simbai, nokuti Ishe anesu. Hatizoteerera zvavakaipa, Toterera kuna She.