1. Ngatishingei tiri mubasa raIshe,
Kuti kana tafa tiwane mubairo;
Mukurwira kururama ngatishandei;
Munondo wakasimba wechokwadi.
Musatye, nyange muchishorwa;
Simbai, nokuti Ishe anesu.
Hatizoteerera zvavakaipa,
Toterera kuna She.
2. Hatizodududza, nyange tiri vashoma
Kana toenzaniswa nevavengi vedu;
Asi tichayamurwa nesimba guru
Mubasa rakanaka rechokwadi.
Musatye, nyange muchishorwa;
Simbai, nokuti Ishe anesu.
Hatizoteerera zvavakaipa,
Toterera kuna She.
3. Kana takarurama Hatityi chinhu,
Nokuti She mubatsiri anogara pedyo;
Mukuedzwa anokurudzira Vatendi,
Kufambisa basa rechokwadi.
Musatye, nyange muchishorwa;
Simbai, nokuti Ishe anesu.
Hatizoteerera zvavakaipa,
Toterera kuna She.