Book cover

Kunaka kweZviito

Nziyo nedzeVana Vadiki, 24


1. Kunaka kwezviito, Mwari, Mambo, Kumurumbidzai nokumutenda, Kuratidza rudo rwenyu nhasi, Nokutaura chokwadi chenyu.

2. Kunaka kwezuva reSabata. Handifunge zvepanyika. Ndiwanikwe ndichimurumbidza, Sehwamanda yaDavidi!

3. Ndichakunda muna She wangu Ndonatsa mabasa neshoko rake. Mabasa enyu enyasha, openya! Dzidziso dzenyu dzakadzama!

4. Kukunda kwangu kukuru Muzita renyu nguva dzose, Nokusingaperi, ndichaona Chiso chenyu chine rufaro!

5. Chivi muvengi wangu mukuru, Hachizondikanganisi. Ndichakunda utera hwangu, Satani haazoputsa rugare.

6. Zvino ndoona ndonzwa ndoziva Zvose zvandaida pasi, Ndichava nesimba rezvakanaka Muupenyu husingaperi.