1. Kunaka kwezviito, Mwari, Mambo,
Kumurumbidzai nokumutenda,
Kuratidza rudo rwenyu nhasi,
Nokutaura chokwadi chenyu.
2. Kunaka kwezuva reSabata.
Handifunge zvepanyika.
Ndiwanikwe ndichimurumbidza,
Sehwamanda yaDavidi!
3. Ndichakunda muna She wangu
Ndonatsa mabasa neshoko rake.
Mabasa enyu enyasha, openya!
Dzidziso dzenyu dzakadzama!
4. Kukunda kwangu kukuru
Muzita renyu nguva dzose,
Nokusingaperi, ndichaona
Chiso chenyu chine rufaro!
5. Chivi muvengi wangu mukuru,
Hachizondikanganisi.
Ndichakunda utera hwangu,
Satani haazoputsa rugare.
6. Zvino ndoona ndonzwa ndoziva
Zvose zvandaida pasi,
Ndichava nesimba rezvakanaka
Muupenyu husingaperi.
Manzwi: Isaac Watts, 1674–1748
Mumhanzi: John J. McClellan, 1874–1925