1. Mwari, wokusingaperi, Mugere kudenga, Muna Jesu tomukumbirai Kuti mutsvenese, Kana tiri vatsvene, Chingwa newaini, Kuti tose tiyeuke Kuzvipira kutsvene—
2. Kuzvipira, kutsvene, Kusinganzwisiswe, Kuripira zvivi zvedu Kutora chirairo, Kuti tizopupura Dambudziko Rake, Mweya wake uve nesu Kuti tiba tane.
3. Apo Jesu, akazodzwa, Paakabva kudenga Akapa tsikinuro Kumweya yedu nerudo — Pasina nerunako, Rwekukwezva vanhu — Muponesi akavimbiswa, Kuchenesa nemoto.
4. Ruzivo rusingaperi, Chirongwa choutsvene, Charuramisa ruponeso She akave nyama, Kuti afambe panyika Uye ave semunhu, Muchigaro chohumwari, Agofa zvisarasike.