1. Mwari, wokusingaperi,
Mugere kudenga,
Muna Jesu tomukumbirai
Kuti mutsvenese,
Kana tiri vatsvene,
Chingwa newaini,
Kuti tose tiyeuke
Kuzvipira kutsvene—
2. Kuzvipira, kutsvene,
Kusinganzwisiswe,
Kuripira zvivi zvedu
Kutora chirairo,
Kuti tizopupura
Dambudziko Rake,
Mweya wake uve nesu
Kuti tiba tane.
3. Apo Jesu, akazodzwa,
Paakabva kudenga
Akapa tsikinuro
Kumweya yedu nerudo —
Pasina nerunako,
Rwekukwezva vanhu —
Muponesi akavimbiswa,
Kuchenesa nemoto.
4. Ruzivo rusingaperi,
Chirongwa choutsvene,
Charuramisa ruponeso
She akave nyama,
Kuti afambe panyika
Uye ave semunhu,
Muchigaro chohumwari,
Agofa zvisarasike.
Manzwi: William W. Phelps, 1792–1872
Mumhanzi: Felix Mendelssohn, 1809–1847