1. Hungwaru nerudo rukurusa Rwakazadza matare edenga Muponesi akabva kudenga Kuzotambura nekufa!
2. Ropa rake akadeura nekuda; Akapa hupenyu hwake, Mutsvene okodzera kuripira, Kuponesa nyika yofa.
3. Nekuteerera Jesu akawana Mubairo unobwinya: “Kudakwenyu, Mwari, ngakuitwe,” kwakanatsa hupenyu hwake.
4. Akatara nzira akatungamira, Ndokuisa zvese pachena Kuchiedza nehupenyu husingaperi Kune kubwinya kwaMwari.
5. Mukurangarira muviri wake Todya chingwa chakamedurwa, Topupura neMukombe, patsva, Ruvimbo munaKristu, She wedu.
6. Chikuru, chinobwinya, chakakwana, Chirongwa cherudzikinuro, Panosangana rudo netsitsi Muruyanano rutsvene!