1. Hungwaru nerudo rukurusa
Rwakazadza matare edenga
Muponesi akabva kudenga
Kuzotambura nekufa!
2. Ropa rake akadeura nekuda;
Akapa hupenyu hwake,
Mutsvene okodzera kuripira,
Kuponesa nyika yofa.
3. Nekuteerera Jesu akawana
Mubairo unobwinya:
“Kudakwenyu, Mwari, ngakuitwe,”
kwakanatsa hupenyu hwake.
4. Akatara nzira akatungamira,
Ndokuisa zvese pachena
Kuchiedza nehupenyu husingaperi
Kune kubwinya kwaMwari.
5. Mukurangarira muviri wake
Todya chingwa chakamedurwa,
Topupura neMukombe, patsva,
Ruvimbo munaKristu, She wedu.
6. Chikuru, chinobwinya, chakakwana,
Chirongwa cherudzikinuro,
Panosangana rudo netsitsi
Muruyanano rutsvene!
Manzwi: Eliza R. Snow, 1804–1887
Mumhanzi: Thomas McIntyre, 1833–1914