1. Kune chikomo kure kure,Kunze kweguta,Pakarovererwa Ishe,Akafira tose.
2. Hatizive, hatinzwisise,Kurwadziwa uku,Totenda akatifiraNokutitamburira.
3. Hakuna mumwe okodzeraKuripira zviviNdiye chete wozaruraDenga kuti tipinde.
4. Anotida tose zvikuru!Nesu ngatimude,Tivimbe mudzikinuro,Mabasa ake tiite.