1. Kune chikomo kure kure, Kunze kweguta, Pakarovererwa Ishe, Akafira tose.
2. Hatizive, hatinzwisise, Kurwadziwa uku, Totenda akatifira Nokutitamburira.
3. Hakuna mumwe okodzera Kuripira zvivi Ndiye chete wozarura Denga kuti tipinde.
4. Anotida tose zvikuru! Nesu ngatimude, Tivimbe mudzikinuro, Mabasa ake tiite.