Page 46
Kune Chikomo Kure
Kune Chikomo Kure
1. Kune chikomo kure kure,Kunze kweguta,Pakarovererwa Ishe,Akafira tose.
2. Hatizive, hatinzwisise,Kurwadziwa uku,Totenda akatifiraNokutitamburira.
3. Hakuna mumwe okodzeraKuripira zviviNdiye chete wozaruraDenga kuti tipinde.
4. Anotida tose zvikuru!Nesu ngatimude,Tivimbe mudzikinuro,Mabasa ake tiite.
Manzwi: Cecil Frances Alexander, 1818–1895
Mumhanzi: John H. Gower, 1855–1922