Book cover

Pamusoro Pegomo

Nziyo nedzeVana Vadiki, 58


0:00 0:00
Introduction
All Verses

1. Pamusoro pegomoVhangeri radzikwaMarudzi, tererai;Nyika yonzwa chokwadiKubva Dhezereti kune runyara ro,Pagomo reZioni onai radzikwa!

2. Mwari voyeukaChitsidzo chekarePagomo reZioniChokwadi chobuda!Chiyedza chevhangeri chotora mazisoEpasi mazuva ekupedzisira.

3. Imba yake yovakwa,Simba roratidzwa,Vanhu vachanzwikwaKunyika dzekure:Zvino toenda kunoshandira Ishe,Kunoterera nekudzidza shoko rake.

4. KwatichadzidziswaMirairo yaMwari,Nechokwadi nenjere,Kutonga pasirose.Tichafamba nzira dzake kusingaperi,Tigozviponesa nevakafa vedu.