1. Pamusoro pegomo
Vhangeri radzikwa
Marudzi, tererai;
Nyika yonzwa chokwadi
Kubva Dhezereti kune runyara ro,
Pagomo reZioni onai radzikwa!
2. Mwari voyeuka
Chitsidzo chekare
Pagomo reZioni
Chokwadi chobuda!
Chiyedza chevhangeri chotora maziso
Epasi mazuva ekupedzisira.
3. Imba yake yovakwa,
Simba roratidzwa,
Vanhu vachanzwikwa
Kunyika dzekure:
Zvino toenda kunoshandira Ishe,
Kunoterera nekudzidza shoko rake.
4. Kwatichadzidziswa
Mirairo yaMwari,
Nechokwadi nenjere,
Kutonga pasirose.
Tichafamba nzira dzake kusingaperi,
Tigozviponesa nevakafa vedu.
Manzwi: Joel H. Johnson, 1802–1882
Mumhanzi: Ebenezer Beesley, 1840–1906