1. Ita zvakanaka kunze koyedza, Kuunza rusunuguko nechiedza. Ngirozi dzonyora chinyararire Zviito zvese; ita zvakanaka.
Ita zvakanaka unemubairo. Rwira rusununguko mumweya; Nemoyo mukuru ona mangwana. Mwari anewe; ita zvakanaka!
2. Ita zvakana cheni dzodonha. Cheni dzenhapwa hadzichapenye; Neruvimbo, hadzichazotiremera. Chokwadi hachigume ita zvakanaka.
Ita zvakanaka unemubairo. Rwira rusununguko mumweya; Nemoyo mukuru ona mangwana. Mwari anewe; ita zvakanaka!
3. Ita zvakanaka vimbika usatye Enda mberi, chinangwa chava pedyo. Maziso anemisodzi, owomeswa. Maropafadzo mukuita zvakanaka.