1. Ita zvakanaka kunze koyedza,
Kuunza rusunuguko nechiedza.
Ngirozi dzonyora chinyararire
Zviito zvese; ita zvakanaka.
Ita zvakanaka unemubairo.
Rwira rusununguko mumweya;
Nemoyo mukuru ona mangwana.
Mwari anewe; ita zvakanaka!
2. Ita zvakana cheni dzodonha.
Cheni dzenhapwa hadzichapenye;
Neruvimbo, hadzichazotiremera.
Chokwadi hachigume ita zvakanaka.
Ita zvakanaka unemubairo.
Rwira rusununguko mumweya;
Nemoyo mukuru ona mangwana.
Mwari anewe; ita zvakanaka!
3. Ita zvakanaka vimbika usatye
Enda mberi, chinangwa chava pedyo.
Maziso anemisodzi, owomeswa.
Maropafadzo mukuita zvakanaka.
Ita zvakanaka unemubairo.
Rwira rusununguko mumweya;
Nemoyo mukuru ona mangwana.
Mwari anewe; ita zvakanaka!
Manzwi: Anon., The Psalms of Life, Boston, 1857
Mumhanzi: George Kaillmark, 1781–1835