Book cover

Nhai Baba Vangu

Nziyo nedzeVana Vadiki, 82


1. Nhai Baba, imi mugere mudengamo munoshamisa, Ndichakuonai rinhiko kuti ndione chiso chenyu? Munzvimbo yenyu tsvene tsvene Mweya wangu waigara here? Muhucheche hwangu kudenga, Ndakarerwa nemi here?

2. Nechinangwa chineuchenjeri Makandiisa pano pasi Mukaita kuti ndikanganwe Nezve kuzvarwa kwekudenga; Asi kazhinji kanzwi mumwoyo Kondinyeurira, “Uri mweni,” Ndikanzwa kuti ndakarasika Kubva kunzvimbo tsvene.

3. Ndangandadzidza kukutii Baba, Nemumweya wenyu wekudenga, Asi, kuzosvikira vhangeri Radzorerwa, handaiziva sei. Kudenga mubereki ndomumwe here? Kwete, zvinopikisa chokwadi! Chokwadi ichokwadi chose Amai vangu variko.

4. Kana ndasiya hupenyu huno, Ndasiya muviri unofa, Baba, Mai, ndingasangana nemi Munzvimbo yenyu yokudenga? Pandinenge ndazopedza basa rose ramakanditumira pano, Nerubvumo rwenyu mese Itai ndizogara nemi.