1. Nhai Baba, imi mugere
mudengamo munoshamisa,
Ndichakuonai rinhiko
kuti ndione chiso chenyu?
Munzvimbo yenyu tsvene tsvene
Mweya wangu waigara here?
Muhucheche hwangu kudenga,
Ndakarerwa nemi here?
2. Nechinangwa chineuchenjeri
Makandiisa pano pasi
Mukaita kuti ndikanganwe
Nezve kuzvarwa kwekudenga;
Asi kazhinji kanzwi mumwoyo
Kondinyeurira, “Uri mweni,”
Ndikanzwa kuti ndakarasika
Kubva kunzvimbo tsvene.
3. Ndangandadzidza kukutii Baba,
Nemumweya wenyu wekudenga,
Asi, kuzosvikira vhangeri
Radzorerwa, handaiziva sei.
Kudenga mubereki ndomumwe here?
Kwete, zvinopikisa chokwadi!
Chokwadi ichokwadi chose
Amai vangu variko.
4. Kana ndasiya hupenyu huno,
Ndasiya muviri unofa,
Baba, Mai, ndingasangana nemi
Munzvimbo yenyu yokudenga?
Pandinenge ndazopedza basa
rose ramakanditumira pano,
Nerubvumo rwenyu mese
Itai ndizogara nemi.
Manzwi: Eliza R. Snow, 1804–1887
Mumhanzi: James McGranahan, 1840–1907