1. Kure, kure mumarenje eJudhiya, Vafudzi vekare vakanzwa nziyo:
Mbiri kuna Mwari, Mbiri kuna Mwari, Mbiri kuna Mwari kudenga Runyararo kunyika Vanhu vave nerugare!
2. Nziyo dzerudo rwerudzikinuro, Mashoko enyasha kubva kudenga:
Mbiri kuna Mwari, Mbiri kuna Mwari, Mbiri kuna Mwari kudenga Runyararo kunyika Vanhu vave nerugare!
3. Ishe, nengirozi tichafara; Batsirai tiimbe nemwoyo nemanzwi:
Mbiri kuna Mwari, Mbiri kuna Mwari, Mbiri kuna Mwari kudenga Runyararo kunyika Vanhu vave nerugare!
4. Chimbidzisai nguva apo, kwese, Vanhu vachasangana mukuimba: