1. Kure, kure mumarenje eJudhiya,
Vafudzi vekare vakanzwa nziyo:
Mbiri kuna Mwari,
Mbiri kuna Mwari,
Mbiri kuna Mwari kudenga
Runyararo kunyika
Vanhu vave nerugare!
2. Nziyo dzerudo rwerudzikinuro,
Mashoko enyasha kubva kudenga:
Mbiri kuna Mwari,
Mbiri kuna Mwari,
Mbiri kuna Mwari kudenga
Runyararo kunyika
Vanhu vave nerugare!
3. Ishe, nengirozi tichafara;
Batsirai tiimbe nemwoyo nemanzwi:
Mbiri kuna Mwari,
Mbiri kuna Mwari,
Mbiri kuna Mwari kudenga
Runyararo kunyika
Vanhu vave nerugare!
4. Chimbidzisai nguva apo, kwese,
Vanhu vachasangana mukuimba:
Mbiri kuna Mwari,
Mbiri kuna Mwari,
Mbiri kuna Mwari kudenga
Runyararo kunyika
Vanhu vave nerugare!