Page 102
Kure, Kure Mumarenje eJudhiya
Kure, Kure Mumarenje eJudhiya
1. Kure, kure mumarenje eJudhiya,Vafudzi vekare vakanzwa nziyo:
Mbiri kuna Mwari,Mbiri kuna Mwari,Mbiri kuna Mwari kudengaRunyararo kunyikaVanhu vave nerugare!
2. Nziyo dzerudo rwerudzikinuro,Mashoko enyasha kubva kudenga:
Mbiri kuna Mwari,Mbiri kuna Mwari,Mbiri kuna Mwari kudengaRunyararo kunyikaVanhu vave nerugare!
3. Ishe, nengirozi tichafara;Batsirai tiimbe nemwoyo nemanzwi:
Mbiri kuna Mwari,Mbiri kuna Mwari,Mbiri kuna Mwari kudengaRunyararo kunyikaVanhu vave nerugare!
4. Chimbidzisai nguva apo, kwese,Vanhu vachasangana mukuimba:
Mbiri kuna Mwari,Mbiri kuna Mwari,Mbiri kuna Mwari kudengaRunyararo kunyikaVanhu vave nerugare!
Manzwi nemumhanzi: John Menzies Macfarlane, 1833–1892