Page 38
Jesu Akazvarwa Semunhu
Jesu Akazvarwa Semunhu
1. Jesu akazvarwa semunhu,
Zvino neku bwinya ouya.
Akatambura akarwadziwa;
Zvino ouya kuzotonga.
Zvino ouya kuzotonga.
2. Akanga ari sehwayana,
Zvino She, mukuru Jehova.
Pamuchinjikwa akarembera;
Gore rava ngoro yake.
Gore rava ngoro yake.
3. Akagomera nemarwadzo,
Zvino odzoka nekubwinya.
Akarambwa nevekwake,
Zvino achanzi She wavo.
Zvino achanzi She wavo.
4. Akamborambwa, akasiiwa,
zvino ava She kudenga.
Akatakura nhamo dzose,
Asi haachadzitakurazve.
Asi haachadzitakura zve.
Manzwi: Parley P. Pratt, 1807–1857
Mumhanzi: Giacomo Meyerbeer, 1791–1864, rwakashandurwa