Page 112
Ndiri Mwana waMwari
Ndiri Mwana waMwari
1. Ndiri mwana waMwari,Akandiisa pano,Akandipa musha panoUne vabereki.
Fambai pedyo neni ndione munzira.Ndidzidzisei zvekuitaNdigogara naye.
2. Ndiri mwana waMwari,Zvandinoda zvizhinji;Ndiyamurei ndinzwe zvakeNguva ichiripo.
Fambai pedyo neni ndione munzira.Ndidzidzisei zvekuitaNdigogara naye.
3. Ndiri mwana waMwari,Ropafadzo izhinji;Ndikadzidza kuda kwakeNdino garazve naye.
Fambai pedyo neni ndione munzira.Ndidzidzisei zvekuitaNdigogara naye.
Manzwi: Naomi W. Randall, 1908–2001. © 1957 IRI
Mumhanzi: Mildred T. Pettit, 1895–1977. © 1957 IRI