1. Ndinoshamiswa kwazvo nerudo rwaJesu,
Tsitsi dzake dzinondishamisa zvikuru.
Ndodedera kuti akandirovererwa,
Akanditambudzikira, akandifira.
O, zvinondishamisa kuti anondida zvekundifira!
O, zvinoshamisa shamisa ini!
2. Ndoshama akabva pachigaro chitsvene
Kununura mweya unozvikudza sewangu,
Kupa rudo rwake kumunhu anengeni,
Rwakakwana kunatsa nekundiponesa.
O, zvinondishamisa kuti anondida zvekundifira!
O, zvinoshamisa shamisa ini!
3. Maoko ake akaboorerwa zvivi!
Ndokanganwa here rudo netsitsi dzake?
Kwete ndichamurumbidza pachifunhiro,
Dakara ndapfugama paari kudenga.
O, zvinondishamisa kuti anondida zvekundifira!
O, zvinoshamisa shamisa ini!