Page 46
Kune Chikomo Kure
Kune Chikomo Kure
1. Kune chikomo kure kure,
Kunze kweguta,
Pakarovererwa Ishe,
Akafira tose.
2. Hatizive, hatinzwisise,
Kurwadziwa uku,
Totenda akatifira
Nokutitamburira.
3. Hakuna mumwe okodzera
Kuripira zvivi
Ndiye chete wozarura
Denga kuti tipinde.
4. Anotida tose zvikuru!
Nesu ngatimude,
Tivimbe mudzikinuro,
Mabasa ake tiite.
Manzwi: Cecil Frances Alexander, 1818–1895
Mumhanzi: John H. Gower, 1855–1922