Page 48
Tichaimba Tichikudza Zita RaJesu
Tichaimba Tichikudza Zita RaJesu
1. Tichaimba kukudza zita raJesu,
Tichirirumbidza kwazvo
Kwaari akarovererwa pachikomo cheKarivhari
Akafa kutiponisa.
2. Akakunda rufu akamuka muguva;
Chinangwa chiri ruponeso;
Akadana mweya wakasungwa neChivi
kuti pinda denga.
3. Akatora kiyi dzerufu negehena
Akapwanya nyoka musoro;
Akaita kuti matirongo azaruke,
Vaka fa vakamu ka.
4. Chingwa nemvura pachirairo zvoreva
kuripira kwake zvivi;
Imi vatendi Idyayi mugopupura
Munomurangarira.
Manzwi: Richard Alldridge, 1815–1896
Mumhanzi: Joseph Coslett, 1850–1910