1. Mweya waMwari urikupisa semoto!
Kubwinya kwemazuva ano kotanga kuuya;
Zviratidzo nemakomborero zvakare zvodzoka,
Ngirozi dzouya kuzoshanya panyika.
Toimba todaidzira nemawuto edenga,
Hozana, hozana MwarineGwayana!
Kurumbidzwa kwepamusoro kupihwe pavari,
Zvino nekusingaperi Ameni ameni!
2. She vopamhidzira kunzwisisa kwe
Vatendi,Vodzorera vatongi nezvose sepakutanga.
Ruzivo nesimba raMwari zvirikukura;
Kuputirwa kwepanyika kwave kupera.
Toimba todaidzira nemawuto edenga,
Hozana, hozana MwarineGwayana!
Kurumbidzwa kwepamusoro kupihwe pavari,
Zvino nekusingaperi Ameni ameni!
3. Toungana mumapoka edu emweya,
Kuti hushe hwekudenga huparidzwe kwese.
Kuti neruvimbo rwedu titange kutambira
Zviratidzo nezvikomborero zvavo Mwari.
Toimba todaidzira nemawuto edenga,
Hozana, hozana MwarineGwayana!
Kurumbidzwa kwepamusoro kupihwe pavari,
Zvino nekusingaperi Ameni ameni!
4. Maropafadzo kuzuva shumba negwayana
Zvicharara pamwechete pasina hasha
Apo Efuremu ogadzwa muZioni,
Jesu achidzika nengoro yemoto.
Toimba todaidzira nemawuto edenga,
Hozana, hozana MwarineGwayana!
Kurumbidzwa kwepamusoro kupihwe pavari,
Zvino nekusingaperi Ameni ameni!
Manzwi: William W. Phelps, 1792–1872. Rwakaimbwa Pakutsaurwa kweTemberi yeku Kirtland muna 1836.
Mumhanzi: Anon., ca. 1844