Page 60
Nditaurire, Chokwadi Chiyi?
Nditaurire, Chokwadi Chiyi?
1. Chokwadi chiyi?
Dombo rinokosha
Pahupfumi hwese hwepanyika,
Kukosha kwechokwadi kopfuura mutengo
Panguva ndaza yamambo Inokoshesesa
Yoverengwa setsvina nehundi.
2. Chokwadi chiyi?
Chinangwa chikuru
Vavariro yavanhu kana vaMwari.
Chitsvage pasi penyika pochopenya chiri,
kana kukwira uchichitsvaka kumatenga;
Chinangwa chakarurama kwazvo.
3. Tsvimbo yamambo
Inogona kutsvedza
Kana osangana nemutongo.
Asi tsigiro yechokwadi haigume,
Dziviriro yayo yakasimba Inokunda
Vavariro yemuparadzi.
Manzwi: John Jaques, 1827–1900
Mumhanzi: Ellen Knowles Melling, 1820–1905