Page 98
Mbiri Kumunhu
Mbiri Kumunhu
1. Rukudzo kuna akataura naJehova!Jesu akamuzodza Muprofita.Wekutanga wenguva yekupedzisira,Madzishe nemarudzi achamukudza.
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!Vavengi nemhondi zvino havachamukuriraPamwe navaMwari, ogadzirira hama;Rufu haruchakundi gamba zvakare.
2. Timurangarire akafira vhangeri;Zita rake tikudze nguva dzose!Ropa rake rakadeurwa nemhondi,Ropupura vanhu vachimukudza.
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!Vavengi nemhondi zvino havachamukuriraPamwe navaMwari, ogadzirira hama;Rufu haruchakundi gamba zvakare.
3. Mbiri yake ihuru hufundisi narinhi.Achange ane makiyi narinhi.Nerutendo achapinda muhushe hwake,Ogadzwa pakati pevaprofita.
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!Vavengi nemhondi zvino havachamukuriraPamwe navaMwari, ogadzirira hama;Rufu haruchakundi gamba zvakare.
4. Kuzvipira kounza ropafadzo dzedenga;Nyika iripire ropa raiye,Mutsai nyika kuuyipi hwakaitwa.Vazhinji vachaziva Josefa zve.
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!Vavengi nemhondi zvino havachamukuriraPamwe navaMwari, ogadzirira hama;Rufu haruchakundi gamba zvakare.
Manzwi: William W. Phelps, 1792–1872
Mumhanzi: Rwiyo rwechi Scottish