1. Rukudzo kuna akataura naJehova!
Jesu akamuzodza Muprofita.
Wekutanga wenguva yekupedzisira,
Madzishe nemarudzi achamukudza.
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!
Vavengi nemhondi zvino havachamukurira
Pamwe navaMwari, ogadzirira hama;
Rufu haruchakundi gamba zvakare.
2. Timurangarire akafira vhangeri;
Zita rake tikudze nguva dzose!
Ropa rake rakadeurwa nemhondi,
Ropupura vanhu vachimukudza.
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!
Vavengi nemhondi zvino havachamukurira
Pamwe navaMwari, ogadzirira hama;
Rufu haruchakundi gamba zvakare.
3. Mbiri yake ihuru hufundisi narinhi.
Achange ane makiyi narinhi.
Nerutendo achapinda muhushe hwake,
Ogadzwa pakati pevaprofita.
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!
Vavengi nemhondi zvino havachamukurira
Pamwe navaMwari, ogadzirira hama;
Rufu haruchakundi gamba zvakare.
4. Kuzvipira kounza ropafadzo dzedenga;
Nyika iripire ropa raiye,
Mutsai nyika kuuyipi hwakaitwa.
Vazhinji vachaziva Josefa zve.
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!
Vavengi nemhondi zvino havachamukurira
Pamwe navaMwari, ogadzirira hama;
Rufu haruchakundi gamba zvakare.
Manzwi: William W. Phelps, 1792–1872
Mumhanzi: Rwiyo rwechi Scottish