Page 108
Amuka!
Amuka!
1. Kristu Amuka! Amuka!
Zviparidze nemufaro.
Amuka akunda rufu;
Nyika yose yofara.
Vanhu vasununguka.
Kristu akunda rufu.
2. Huyayi nenziyo tsvene;
Imbai kukunda kwaIshe.
Hapana gore rodzima
Muranzi unobwinya,
Kubva kumabvazuva,
Chiratidzo cheEsita.
3. Kristu Amuka! Amuka!
Azarura suwo redenga.
Tasuningurwa pazvivi,
Taiswa panzvimbo tsvene.
Muranzi weEsita
Wopenya mumeso edu.
Manzwi: Cecil Frances Alexander, 1818–1895
Mumhanzi: Joachim Neander, 1650–1680