Page 112
Ndiri Mwana waMwari
Ndiri Mwana waMwari
1. Ndiri mwana waMwari,
Akandiisa pano,
Akandipa musha pano
Une vabereki.
Fambai pedyo neni ndione munzira.
Ndidzidzisei zvekuita
Ndigogara naye.
2. Ndiri mwana waMwari,
Zvandinoda zvizhinji;
Ndiyamurei ndinzwe zvake
Nguva ichiripo.
Fambai pedyo neni ndione munzira.
Ndidzidzisei zvekuita
Ndigogara naye.
3. Ndiri mwana waMwari,
Ropafadzo izhinji;
Ndikadzidza kuda kwake
Ndino garazve naye.
Fambai pedyo neni ndione munzira.
Ndidzidzisei zvekuita
Ndigogara naye.
Manzwi: Naomi W. Randall, 1908–2001. © 1957 IRI
Mumhanzi: Mildred T. Pettit, 1895–1977. © 1957 IRI