Page 120
Ishe Vakandipa Temberi
Ishe Vakandipa Temberi
1. She vakandipa temberi kugaramo panyika.
Ndaive mweya kudenga, ndikauya pano senyama.
Ndichapenyesa temberi; Mweya usunungu ke.
Muviri wangu ndiyo temberi yaBaba.
2. Ndikachengeta muviri wangu uri mutsvene,
Mutemberi maBaba ndowana makomborero.
Zuva rekumuka kuvakafa ndichapenya
Muhumambo ndogara chose muchiedza.
Manzwi: Donnell Hunter, b. 1930. © 1969 IRI
Mumhanzi: Darwin Wolford, b. 1936. © 1969 IRI